Chimwe NeChimwe
Chimwe NeChimwe

Jah Prayzah - Chimwe NeChimwe Lyrics

47
Chimwe NeChimwe Music Video

Chimwe NeChimwe Lyrics

Gore riye rakauya nenhamo
Chimwe nechimwe
Chine nguva yacho
Tichabira rwizi mai mwana
Chigomera uripo
Mangwana zvinonaka
Dura riya uchariwona razara
Tichakanda mhodzi mai mwana
Nzara mumba mangu ndikafunga kachana
Chimwe ne chimwe
Chine nguva yacho
Tichabira rwizi mai mwana
Chigomera uripo
Mangwana zvinonaka
Dura riya uchariwona razara
Tichakanda mhodzi mai mwana

Tseketsa yakasara
Takaikangira mudhumeni
Chikwere chikasara nhoko
Kana pfuma yenhaka
Yakaperera mukuripa
Ngozi yakasiiwa na baba
Ndaiti tichabereka mwana
Anosara achitevera gwara
Mimba ikaramba kubata
Ndaiti tichabereka mwana
Anosara achitevera gwara
Mimba ikaramba kubata

Gore rakauya nenhamo
Chimwe nechimwe
Chine nguva yacho
Tichabira rwizi mai mwana
Chigomera uripo
Mangwana zvinonaka
Dura riya uchariwona razara
Tichakanda mhodzi mai mwana
Nzara mumba mangu ndikafunga kachana
Chimwe ne chimwe
Chine nguva yacho
Tichabira rwizi mai mwana
Chigomera uripo
Mangwana zvinonaka
Dura riya uchariwona razara
Tichakanda mhodzi mai mwana

Hama dzikauraya mombe
Kutomhanya nebakatwa
Kunoita mucheka dzafa
Hama dzikauraya mombe
Kutomhanya nebakatwa
Kunoita mucheka dzafa
Shungu dzirege dziputike
Buritsa misodzi zvireruke
Kavira pasi usimuke
Shungu dzirege dziputike
Buritsa misodzi zvireruke
Kavira pasi usimuke

Gore rakauya nenhamo
Chimwe nechimwe
Chine nguva yacho
Tichabira rwizi mai mwana
Chigomera uripo
Mangwana zvinonaka
Dura riya uchariwona razara
Tichakanda mhodzi mai mwana
Nzara mumba mangu ndikafunga kachana
Chimwe ne chimwe
Chine nguva yacho
Tichabira rwizi mai mwana
Chigomera uripo
Mangwana zvinonaka
Dura riya uchariwona razara
Tichakanda mhodzi mai mwana

Writer(s): Mukudzeyi Mukombe
Copyright(s): Lyrics © O/B/O DistroKid
Lyrics Licensed & Provided by LyricFind

Post your Interpretation

Attach an image to this thought

Drag image here or click to upload image

The Meaning of Chimwe NeChimwe

Be the first!

Post your thoughts on the meaning of "Chimwe NeChimwe".

Latest Blog Posts
Lyrics Discussions
by 4batz

1

11
by Nicky Youre, dazy

1

11
Hot Songs

2

2K

5

2K
Recent Blog Posts